Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanonzi Vaiziva nezveKutumirwa kweMauto Uko Mapurisa Oronga Kusunga VaChamisa


Mapurisa nemasoja nemusi weMuvhuro vakapa humbowo hwavo kukomisheni yakagadzwa nemutungamiri wenyika kuti iongorore zvakaitika pamhirizhonga yemusi wa1 Nyamavhuvhu pakapfurwa vanhu vatanhatu nemauto.

Sachigaro wekomisheni iyi ndiVaKgalema Mothlante avo vaive mutungamiri wenyika yeSouth Africa.

Mukuru mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga vakati mutungamiri wenyika ndivo vakati masoja apinde mumigwagwa uye masoja akaramba kuti ndiwo akapfura vanhu musi uyu.

VaMatanga vakaudza komisheni iyi kuti mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa vanogona kusungwa chero ipi nguva maererano nemhirizhonga iyi vachiti mashoko avakaudza vatsigiri vavo ekuti havazotambira zvainge zvabuda musarudzo kana vasina kunzi ndivo vainge vakunda musarudzo ndizvo zvimwe zvakapa kuti pasaite kugadzikana.

VaMatanga vati mapurisa achiri pakati pekuferefeta zvakaitika pamhirizhonga iyi. Vakati zviri pachena kuti VaChamisa vaironga kuti nyika isagadzikane mushure mesarudzo sezvakaitika kuKenya uko kwakafa vanhu vakawanda mushure mesarudzo.

Asi vakati vakaona zvakakodzera kuti vambomira kusunga VaChamisa sezvo vachiti kuita izvi kwakanga kwakafanana nekuwedzera peturu parimi remoto

VaMatanga vakatiwo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mngangagwa ndivo vakapa masoja mvumo yekupinda mumugwagwa kuti vabatsirane nemapurisa kupedza kuratidzira kwaiitika pakati pedhorobha zvichitevera chikumbiro chakanga chasvitswa nemapurisa kumutungamiri wenyika sezvinodiwa pamutemo.

Mukuru wemapurisa VaMatanga vakati mapurisa mazhinji akanga aendeswa kunochengetedza runyararo munyika yose panguva yaiitwa sarudzo zvakaita kuti muHarare musarare muine mapurisa mashomanana.

Vanoti muHarare makasara musina mapurisa akakwana zvakapa kuti vatadze kudzivirira mhirizhonga zvakapa kuti masoja azodaidzwa.

VaMatanga vakati mushure mekunge masoja apihwa mvumo naVaMnangagwa yekupinda mumigwagwa hapana kuwanikwa mukana wekuti mapurisa nemasoja vagare pasi kuti vazeye kuti vaizoshandisa nzira dzipi kumisa kuratidzira kwaiitika uku.

Asi pavainge vachibvunzurudzwa nenhengo dzekomisheni iyi vakati masoja akapinzwa mumugwagwa aya aifanira kuudzwa zvekuita nemapurisa pasi pemutemo.

VaMatanga vakaenderera mberi vachiti pfuti dzakashandiswa nemasoja zvine mwero vachiti mhando dzepfuti dzakanga dzakapakatirwa nemasoja dzemhando yeAK47 dzaikwanisa kuuraya vanhu vakawansda dai dzakashandiswa kudarika vanhu vatanhatu vakafa.

Mukuru wemauto eZimbabwe Defense Forces General Philip Valerio Sibanda vakapawo humbowo kukomisheni vachitsinhira VaMatanga.

General Sibanda vakati vakanzwa pfuti dzichirira mauto asati ambopinda muguta. Vakatiwo mauto avo haana kupfura vanhu uye vakati vakuru venyika vakaona zvakakodzera kuti mauto apindire sezvo zvinhu zvange zvisisina kumira zvakanaka

Mutevedzeri wasachigaro wekomisheni inoona nezvekodzero dzevanhu yeZimbabwe Human Rights Commission, Amai Ellen Sithole, vakaudzawo komisheni iyi kuti kunyangwe hazvo vanhu vairatidzira, zvakanga zvisingakodzere kuti pashandiswe chisimba chakashandiswa musi uyu sezvo varatidziri ava vaive vanhu vakanga vasina zvombo zvehondo.

Mumwe mukuru wemauto Brigadier General Ancelom Nhamo Sanyatwe, avo vanove nhengo yeboka reNational Reaction Group inosanganira mauto, mapurisa pamwe nevasori, vakaudza komisheni iyi kuti masoja haana munhu waakapfura kunze kwekuridzira pfuti mudenga achityisidzira vairatidzira ava kuti vapararire.

Vachibvunzurudzwa nenhengo dzekomisheni iyi pamusoro pevhidhiyo yairatidza musoja achiridza pfuti akazomiswa nemumwe wake pachiitiko ichi, VaSanyatwe vakati musoja uyu haana munhu waakapfura asi akapfugama akanongedzera pfuti senzira yekuzvidzivirira kubva kumatombo aikandwa uye aridzira pfuti yake mudenga.

VaSanyatwe vakati dai masoja akapfura muvanhu vatori venhau vaitora mifananidzo musi uyu vangadai vakakwanisa kutora mifananidzo yacho sezvo vakati vatori venhau vaiva mumashure memasoja nguva dzose pose paiitika mhirozhonga iyi.

Vatiwo vanhu vese vakapa humbowo kukomisheni iyi hwekuti masoja ndiwo akapfura vanhu vainyepa.

Vakaenderera mberi vachiti vanhu vakapfurwa ava vanogona kunge vakapfurwa nevanhuwo zvavo vasiri masoja sezvo vachiti vamwe vanamuzvinabhizimusi vakawanda muHarare vane pfuti uye vaigona kunge vaidzivirira mabhizimisi avo.

VaSanyatwe vakati seboka reNational Reaction Force vakange vatambira mashoko mazuva akati kuti airatidza kuti MDC Alliance yaironga zvekupidigura hurumende ichishandisa vechidiki vebato iri vanozivikanwa nekunzi Vanguard avo vavanoti vakadzidziswa zvehondo.

Asi vachipindura nyaya iyi, mutauri weMDC VaJacob Mafume varamba kuti VaChamisa vane chekuita nemhirizhonga iyi. VaMafume vakaudza Studio 7 kuti zviri kutaurwa izvi ndezve mugotsi matsuro.

Zvichakadai, vamwe vakapa humbowo kukomisheni iyi, Amai Lilian Chigwedere, vanove mutevedzeri wasachigaro wekomisheni inoona nezverunyararo nekupodzwa kwemaronda yeNational Peace and Reconcilation, vakaudza komisheni iyi pane nhaurirano dziri kuitwa muchivande dzekuedza kuunza VaChamisa naVaMnangagwa patafura asi havana kutaura kuti nhaurirano idzi dzave papi uye kuti dziri kutungamirirwa nani.

Koimisheni iyi yakatarisirwa kuenderera mberi nemusi weChipiri ichinzwa humbowo kuvafakazi. Studio 7 haisati yaziva kuti VaMnangwagwa naVaChamisa vachaunzwa pamberi pekomisheni iyi here kana kuti kwete.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG