Accessibility links

Breaking News

Muchuchisi Mukuru weHurumende Oramba Kumbopa VaBiti Gwaro Ravo Kuti Vaende kuUganda


VaTendai Biti
VaTendai Biti

Vakafanobata chigaro chemuchuchusi mukuru wehurumende VaKumbirai Hodzi varambidza vaimbova gurukota rezvehupfumi VaTendai Biti kuti vaende kumusangano weAfrican Organization of Public Accounts Committees kana kuti AFROPAC, kuUganda.

VaBiti vainge vanyora tsamba kuna VaHodzi zvichiburikidza negweta ravo Amai Beatrice Mtetwa kuti vambopihwa gwaro ravo rekufambiswa iro riri mumaoko amabharani ematare parizvino pane sechibatiso pane imwe mhosva yavari kupomerwa yekuti vaida kukonzera mhirizhonga munguva yesarudzo.

Musangano uyu uri kuitwa kubva musi wa 19 kusvika musi wa 23 mwedzi uno. AFROPAC yainge yakoka VaBiti kuti vauye kumusangano uyu sezvo vari ivo sachigaro wekomiti yedare reparamende inoona nezvekufambiswa kwemari.

Amai Mtetwa vati zvakakosha kuti VaBiti vaende kumisangano yakadai sezvozvichivapa ruzivo rwunozoitawo kuti komiti yavo ibudirire. Asi VaHodzi vakati VaBiti havafanire kupihwa gwaro iri sezvo vaine mhosva yavari kupomerwa ichiri kumatare.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG