Accessibility links

Breaking News

VaChamisa naVaBiti Vonyorera Tsamba Kukomisheni yaVaMothlante Iri Kuongorora Kuurayiwa kweVanhu muHarare


VaNelson Chamisa mutungamiri weMDC
VaNelson Chamisa mutungamiri weMDC

Mutungamiri webato reMDC VaNelson Chamisa uye mutevedzeri wasachigaro webato iri VaTendai Biti vanyorera tsamba kukomisheni iri kutungamirwa nevaive mutungamiri weSouth Africa VaKgalema Mothlante, iri kuongorora kupfurwa kwakaitwa vanhu nemauto musi wa 1 Nyamavhuvhu vachiti vanoda kunzwisa nezvekukoakwa kwavo uye zvavanodawo kuti zviitwe.

Vanhu vatanhatu ndivo vakafa mukuratidzira uku kunonzi nevamwe kwakakonzerwa nekunonoka kubuditswa kwezvainge zvabuda musarudzo dzemuna Chikunguru.

Mutauriri weMDC VaJacob Mafume vatenda kuti VaChamisa vanyorera tsamba kukomisheni iyi vachida kunzwisisa nezvekudanwa kwavo mangwana kuti vapewo humbowo.

Mutauriri wekomisheni iyi vaJohn Masuku vatenda kuti vawana tsamba kubva kuna VaChamisa.

Asi vachitaura neStudio 7, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vakati VaMnangagwa vakakokwa vanoenda.

VaBiti kuburikidza negweta ravo Amai Beatrice Mtetwa vakanyorawo tsamba kukomisheni iyi vachiti vanoda kuti vawane mukana wekubvunzurudzawo vamwe vaipa huchapupu hwekuvaroverera. Asi vamwe vari mukomisheni iyi vaudza Studio 7 kuti komisheni haisi kuzovapa mukana uyu.

Nemusi weChitatu wekare, pari kutarisirwa kuti pachadaidzwa imwe nyanzvi yezvemabara kana kuti “ballistic expert” kubva kuZimbabwe Republic Police kuzopa humbowo. VaMasuku vatenda kuti pari kutarisirwa nyanzvi idzi kukomisheni yavo.

Humbowo uhu hwakakosha sezvo pave nekukandirana nyoka mhenyu pakuti ndiyani akapfura vanhu mushure mekunge vakuru vemauto varamba kuti mauto akaenda kunobatsira mapurisa kumisa kuratidzira ndiwo akauraya vanhu. Vamwe vanoti vane mavhidhiyo anoratidza kuti mauto ndiwo akapfura.

Mutauriri wesangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights Dr Fortune Nyamande vanoti vanhu vakarapwa nesangano ravo vakawanda vakapomera mauto mhosva yekuvapfura.

Pane mashoko ekutiwo vamwe vanofungidzirwa kuti vasori vaida kutora mumwe mutumbi kumochari kana kumanikidza vanachiremba kuti vati vafi vainge vabayiwa nebanga kwete pfuti.

Asi vachitaura pamberi pekomisheni iyi, Brigadier General Anselem Sanyatwe vekuZimbabwe National Army vakaramba kuti mauto ndiwo akapfura vanhu ava.

Vekomisheni vakati kana paine mavhidhiyo anoratidza kupfurwa kwevanhu vanofanira kuuya nawo. Komisheni iri kutanga kusangana nemusi weChitati kuCresta Hotel muHarare.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG