WASHINGTON —
Mutauri weMDC VaJacob Mafume varamba mashoko ekuti mumwe mutevedzeri wemutungamiri webato ravo vaElias Mudzuri avo vakaenda kuState House nemusi weMuvhuro kunosangana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vadzingwa mubato.
VaMudzuri vakaudza Studio 7 kuti vakaenda kumusangano uyu sezvo wainge warongwa nedare reparamende.
VaMafume vati nyaya yaVaMudzuri ichazokurukurwa nezvayo kana bato ravo rapedza kuratidzirwa kwariri kuita nemusi weChina.
Vamwe mubato vanoti havana kufara nezvakaitwa naVaMudzuri zvekuenda kuState House vasina kusuma vamwe.
Facebook Forum