Accessibility links

Breaking News

Musangano weHumhizha HweNyika dzemuAfrica Hwopera muHarare


VaPaul Mavhima

Makambani makuru, akaita seMicrosoft yemu America, JP yeku Portugal nemamwe ange pamusangano hwekuunza budiriro mudzidzo muAfrica, kana kuti 8th Innovation for Africa Summit, wange uri kuitirwa muHarare gore rino.

Nyika dzinodarika makumi matatu kubva kmuAfrica dzakapinda mumusangano uyu.

Gurukota rezvedzidzo, Muzvinafundo Paul Mavhima, vaudza Studio 7 kuti vange vari pamusangano uyu vakadzidzawo zvakawanda kubva kuZimbabwe nekuti Zimbabwe yagara inezita rinorumbidzwa panyaya yedzidzo.

“Nyika ino iyi kubva 1980, yakatora fundo ikaiisa pamberi,” VaMavhima vakaudza Studio 7. Vanoenderera mberi vachiti, “Ukatarisa mabhajeti edu kubva 1980, bazi rezvedzidzo ndiro rinowana mari yakawanda kupfuura mamwe mapazi ehurumende ese. Gore rino, takawana mabhirioni 1.3 emadhora, saka kukoshesa zvedzidzo kwatinoita chinhu chavanofanira kudzidza.”

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vakaparura musangano wemazuva matatu uyu nemusi weChitatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG