Komisheni yaVaKgalema Mothlante iri kuongorora kupfurwa kwevanhu muHarare nemauto musi wa 1 Nyamavhuvhu iri kutarisirwa kupa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa gwaro rizere nemusi weMugovera.
Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaMnangagwa vari kutarisirwa kuparura gwaro iri kunyika nemusi weMuvhuro.
VaMnangagwa vakatozivisa kuti vachazivisa veruzhinji nezvegwaro ravo kana vachinge varipirwa. Komisheni iyi yainge yapihwa mwedzi mitatu yekupedza basa kubva zvayakatora mhiko.
Vamwe vari kuchema chema kuti hapana zvisvinu zvichabuditswa nekomisheni iyi sezvo isinawo kudaidza VaMnangagwa kana mumwe mutevedzeri wavo VaConstantino kuti vape huchapupu.
Asi komisheni iyi yakangodaidza mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa nemutevedzeri wasachigaro wavo VaTendai Biti. Asi mutauriri wekomisheni iyi VaJohn Masuku vaudza Studio 7 kuti vanhu vanofanira kumirira zviri mugapu ravo kwete kuda kureva nepasipo.
Facebook Forum