Accessibility links

Breaking News

America Inoti Vakapfura Vanhu muHarare Muna Nyamavhuvhu Ngavasungwe


VaJeff Flake naVaCory Booker
VaJeff Flake naVaCory Booker

America iri kukurudzira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vaburitse zvakabuda muongororo yekupfurwa kwevanhu muHarare nemauto musi wa1 Nyamavhuvhu uye kuti vakapara mhosva iyi vasungwe.

Izvi zvakabuda mumusangano wekomiti inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica wakaitwa nemusi weChina muWashington DC waizeya nyaya yekudyidzana kweZimbabwe neAmerica.

Masenator akataura pamusangano uyu anosanganisa sachigaro wekomiti iyi VaJake Flake vekuArizona, VaChris Coons vekuDelaware uye VaCory Booker vekuNew Jersey. Vatatu ava vakashanyira Zimbabwe gore rino nerapera vachinotaura naVaMnangagwa nevamwe vakuru muhurumende yavo.

VaMatthew Harrington
VaMatthew Harrington

Mutevedzeri wemunyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica muhurumende yeAmerica kana kuti Deputy Assistant Secretary of African Affairs VaMatthew Harrington vakati vanoda kuona hurumende yaVaMnangagwa ichitora matanho akasimba kune vakauraya vanhu vatanhatu muHarare

VaHarrington vakati vari kunetsekawo nenyaya yekushungurudzwa kwevanopikisa hurumende kusanganisa kushungurudzwa kwavanoti kuti kuitwa vaTendai Biti avo vari kuendeswa kumatare nehurumende vachinzi vakazivisa zvainge zvabuda musarudzo ZEC isat yazvitura kuruzhinji.

VaMnangagwa vakakukurudzirwawo kuti vazadzikise zvavari kuvimbisa mukuunza hutongo hwejekerere vasati vataura kuti zvirango zvavakatemerwa neAmerica nevamwe vakuru muhurumemende yavo zvibviswe.

Mashoko aya akatsinhirwawo naVaBooker avo vakati zvirango zvakatemerwa vakuru vehurumende kuti vatonge zvine mutsa asi kusvika parizvino vakati hapana chavaona chachinja.

VaCoons vakatiwo Zimbabwe haina kumira pakanaka panyaya yekudyidzana nedzimwe nyika nekudaro inofanira kusunga dzisimbe.

Vachipawo huchapupu kukomiti iyi, muzvinabhizimisi VaJoe Mtizwa vakati zvinhu zvave nani zvakanyanya panyaya dzekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu pasi pehutongo hwaVaMnangagwa zvichienzaniswa nezvaiitika pasi pevaove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

VaMtizwa vatiwo vanoda kuti zvirango zvibviswe nekuti zviri kukonzera matambudziko kuvanhuwo zvavo muZimbabwe uye vemabhizimisi.

Asi vamwe vakapa humbowo VaTodd Moss vanoshanda nesangano reCentre for Global Development vakati nyaya yekuti zvirango ndizvo zvakanganisa hupfumi muZimbabwe ndeyemugotsi matsuro.

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vaudzawo Studio 7 parunhare kuti VaMnangagwa havana dambudziko nekuburitsa zvanenge zvabuda muongororo yaVaMothlante.

VaMangwana vatiwo hurumende inoda kuti zvirango zvibviswe vachiti zviri kukanganisa avarombo.

Asi vachipindura mashoko aya, mutauriri webato rinopikisa VaJacob Mafume vakati Zanu-PF haina kuzvipira kuvandudza zvinhu zvapa kuti vanhu vanonge svosve nemuromo.

America yakatemera vakuru veZimbabwe zvirango muna 2001 ichipomera hurumende mhosva yekutonga nedemo. Asi Zimbabwe inoti yakatemerwa zvirango nenyaya yekuti yainge yatora minda kuvachena.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG