Accessibility links

Breaking News

Mafuta eKufambisa Dzimotokari Otangazve Kunetsa muNyika


Dambudziko rekushomeka kwemafuta ekufambisa dzimotokari ratanga zvakare munyika zvopa kuti vanhu vakawanda vatadze kugadzikana.

Asi gurukota rezvemhando dzemoto Doctor Joram Gumbo vati kushomeka kwemafuta kuri kukonzerwa nevanhu vari kunyora nhema pamasaisai akaita seFacebook neWhatsApp. Vati parizvino nyika ine mafuta akakwana uye vanhu havafanire kutya.

Magaraji akawanda ange asina mafuta ekufambisa dzimotokari, mashoma anga aine mafuta aya anga aine mitsetse yakareba yemotokari.

Vakawanda vanga vari mumitsetse vashoropodza hurumende vachiti haina kurongeka sezvo iri kungogaronetseka nedambudziko rimwe chete.

Mumwe anga ari pamutsetse wegaraji reTreck nhasi VaSolomon Mhango vanoti mushure mekupihwa mafuta anosvika marita zana hurumende ingadai yakaramba ichitsvaga mamwe kwete kumirira kuti apere yozotsvaga mamwe.

Mashoko aya atsinhirwa naVaGiverson Tinarwo mumwe mugari wemuChinhoyi.

Asi VaLucky Borerwe vanoti semaonero avo, vemagaraji ava vari kushaisa vanhu mafuta senzira yakuda kukwidza mutengo sezvo hurumende yakavarambidza kukwidza mutengo.

Mumwe mutyairi wemotokari VaTapera Mlilo vanoti vamwe vanhu vave kutenga mafuta emotokari akawandisa kudarika avarikuda kushandisa nekutya kuzoashaya.

Dzimwe nzvimbo dzakaita seBanket, Karoi neChegutu dzinonzi dzanga dziine magaraji mashoma anga aine mafuta izvo zviri kukonzeresa mitsetse yakareba yemotokari dzinenge dzichida mafuta.

Vanotengesa mafuta vanoti vari kushaya mari yekuAmerica yekutenga mafuta sezvo ivo vanomanikidzwa kutengesa mafuta nemabond ayo asingatenge kunze kwenyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG