Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti VaMnangagwa Votatatika Kuzadzikisa Zvavakavimbisa paVakatora Masimba


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Papera gore apo vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vabviswa pachigaro nemauto neveruzhinji.

Musi wa15 Mbudzi 2017, mauto ainge akomberedza imba yaVaMugabe yeBlue Roof kuBorrowdale uye zvimwe zvivakwa zvose zvehurumende vachida kuvamanikidza kuti vasiye chigaro.

Mauto ainge achitsvagawo vamwe vaive makurukota ehurumende akaita saVaSaviour Kasukuwere, Doctor Ignatius Chombo, Muzvinafundo Jonathan Moyo nevamwe. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Doctor Pedzisayi Ruhanya vanoti nyaya yekugadzirisa nyaya dzehutongo hwejekerere zvinotora nguva.

Hurukuro naDoctor Pedzisayi Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vati VaMnangagwa vanofanira kuzvipira kuvandudza zvinhu mubato ravo reZanu-PF vanhuwo zvavo vachiona kuti zviri kuvimbiswa nehurumende zvazadzikiswa. Mutauriri webati rinopikisa reNCA VaMaddock Chivasa vanoti kubva VaMnangagwa vadomwa hakuna zvakawanda zvavaita.

Asi vashora zvizvarwa zveZimbabwe nekuita ngundamusaira munyaya dzezvematongerwo enyika.

Vapa muenzaniso nyaya yekubatana nemauto kubvisa VaMugabe zvisina pundutso. Muzvare Linda Masarira vati pane zvimwe zviri kugonekwawo naVaMnangagwa kunyanya muhutongo hwejekerere asi pane zvakawanda zvinoda kuitwa.

Hurukuro naVaMaddock Chivasa naMuzvare Linda Masarira
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG