Kunyange hazvo zvinhu zvakaita mhidigari munyaya dzezvehupfumi, mumwe muzvinabhizimisi wemunyika VaDavid Norupiri, muridzi wekambani yeDavipel Trading Private Limited, vakasimudza mureza wenyika apo vakahwiuna mubayiro mukuru muAfrica weWorld Entrepreneurs Award muAfrica.
Makwikwi aya anoitwa nekambani ine mukurumbira zvikuru pasi rose yeErnst and Young uye makwikwi anonzi Ernst and Young Africa Entrepreneur Award.
Kambani yaVaNorupiri ine vashandi vanosvika mazana matanhatu uye inotengesa zvinhu munyika dzekuchamhembe kweAfrica ichigaya chibage nezvimnwe zvirimwa kuti vaburitse zvekudya zvakasiyana siyana.
Mhando yechigayo chavo ndicho chete chiri munyika.
VaNorupiri vatiwo bhizimisi ravo riri kubatsira Zimbabwe zvikuru nekuunza mari yekunze inodiwa. Vatiwo bhizimisi ravo riri kubatsira varimi vemuZimbabwe.
Mukuru weConfederation of Zimbabwe Industries, VaSifelani Jabangwe, vanoti kukunda kwaVaNorupiri kunosimudzira nyika.
Mashoko aya atsinhirwawo naAmai Marah Hativagone mudzimai wekutanga kutungamira sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce.
Vamwe vakakunda mumakwikwi aya vanosanganisira VaRidwan Kahn muridzi wekambani yennharembozha yeMobicel Communications yekuSouth Africa uye Amai Deborah Merdjan veCamelot Group yekuSouth Africa zvekare.
Facebook Forum