Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba Vari Kuramwa Mabasa Vanotadza Kuwirirana neHurumende


Vanachiremba vanoti havasi kuzodzokera kumabasa.

Hurumende ichimiririrwa nemapazi ezvehutano nemari neMuvhuro yakaita hurukuro navanachiremba vari kuramwa mabasa asi zvinonzi hapana kuwirirana zvapa kuti vanachiremba vati vacharamba vachiramwa mabasa.

Mubati wehomwe musangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association Dr Prince Butau vanoti kuramwa mabasa kuri kuenderera mberi sezvo pasina kuwirirana nehurumende pakugadzirisa zvichemo zvavo zvinosanganisa kushomeka kwemishonga, zvikwanisiro uye kusawedzerwa kwemari dzavanotambira.

Hurumende, kuburikidza neboka reHealth Services Board, yavimbisa kuti mishonga ichawanikwa muzvipatara paine tarisiro yekuti zvicharerutsa dambudziko.

Musangano uyu unonzi waudzwawo kuti hurumende iri kuwedzera mari inoita mamiriyoni gumi emadhora yekuti pakwanise kupinzwa vamwe vashandi vezvehutano mumapoka ane dambudziko rekushomeka kwevane hunyanzvi kutanga musi wa 01 Ndira 2019.

Hurumende inonzi yakawanisawo mari inosvika mamiriyoni matanhatu emadhora, iyo inonzi yakanga yasara pamari yehomwe yeHealth Workers Vehicle Loan Scheme, yekuti vashandi vezvehutano vakwereteswe mari yekutenga dzimotokari vasingazobhadhariswa mitero yekupinza motokari idzi munyika kubva musi wa 01 Ndira 2019 zvakare.

Zvinonziwo hurumende yakaisa hurongwa hwekuti vanachiremba nevamwe vashandi vakamisirwa mihoro yavo yemuna Zvita 2018 vakwanise kuwaniswa mihoro yemuna Ndira 2019 kana vakanyorera kumapoka avanoshandira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG