Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yokunda Musarudzo dzeKwaMutoko Asi ZESN Ichishora Mamwe Madzishe


Bato reZanu-PF ndiro rakakunda musarudzo dzakaitwa kuMutoko North, Mashonaland East nemusi weMugovera.

Asi sachigaro weZimbabwe Election Support Network kana kuti ZESN VaAndrew Makoni vanoti havasi kufara nezvaiitwa nemadzishe munzvimbo iyi zvekupindira munyaya dzezvematongerwo enyika uye nyaya yekushandiswa kwechikafu munyaya dzezvematongerwo enyika idzi. ZESN yainge iine vaongorori vesarudzo munzvimbo iyi kwenguva yakareba.

VaRambisayi Nyabote veZanu-PF vakaita mavhoti zviuru gumi nechimwe chete nezana nemakumi mana nerimwe, VaBoniface Mushore veMMDC Alliance vakaita mavhoti chiuru chimwe chete nemazana matatu nemakumi maviri nemapfumbamwe.

VaEdson Mugoma veNCA vakaita mavhoti makumi napfumbamwe nemana. Sarudzo idzi dzakaitwa kutsiva amai Marble Chinomona veZanu-PF avo vakasarudzwa kuita mutungamiri weSenate.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG