WASHINGTON —
Komisheni iri kuongorora kupfurwa kwakaitwa vanhu muHarare musi wa 1 Nyamavhuvhu inoti kutanga neMuchuro kusvika Chipiri ichange yotanga kubvunzurudza mapurisa nemauto nezvekupfurwa kwakaitwa vanhu vatanhatu nemauto.
Vamwe vevanhu ava vairatidzira kunonoka kubuda kwezvainge zvabuda musarudzo vamwe vachingozvifambira havo.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vakadoma komiti iyi uye sachigaro wayo ndiVaKgalema Mothlante vaive mutungamiri wenyika yeSouth Africa.
Mumwe komishina Muzvinafundo Lovemore Madhuku vanoti vakaona zvakakodzera vachabvunzawo vatungamiri venyika nezvenyaya iyi.
Facebook Forum