Accessibility links

Breaking News

Komisheni yaVaMothlante Yobvunzurudza Mapurisa neMauto nezveKuurayiwa kweVanhu


VaConstantino Chiwenga naVaValerio Sibanda
VaConstantino Chiwenga naVaValerio Sibanda

Komisheni iri kuongorora kupfurwa kwakaitwa vanhu muHarare musi wa 1 Nyamavhuvhu inoti kutanga neMuchuro kusvika Chipiri ichange yotanga kubvunzurudza mapurisa nemauto nezvekupfurwa kwakaitwa vanhu vatanhatu nemauto.

Vamwe vevanhu ava vairatidzira kunonoka kubuda kwezvainge zvabuda musarudzo vamwe vachingozvifambira havo.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vakadoma komiti iyi uye sachigaro wayo ndiVaKgalema Mothlante vaive mutungamiri wenyika yeSouth Africa.

Mumwe komishina Muzvinafundo Lovemore Madhuku vanoti vakaona zvakakodzera vachabvunzawo vatungamiri venyika nezvenyaya iyi.

Hurukuro naMuzvinafundo Lovemore Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG