Hukama pakati pehurumende nemasangano akazvimirira hunenge hwaramba husina kumira zvakanaka kunyange hazvo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakavimbisa kuti matongero avo achange akasiyana serima nechayedza nematongero aita vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.