Hukama pakati pehurumende nemasangano akazvimirira hunenge hwaramba husina kumira zvakanaka kunyange hazvo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakavimbisa kuti matongero avo achange akasiyana serima nechayedza nematongero aita vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
Kubva zvavatora mhiko yekutungamira nyika, VaMnangagwa vasangana nemasangano akasiyana siyana kusanganisira emadzimai, varairidzi, vakarwa hondo yerusununguko, madzishe nevamwe.
Asi havana musangano wavati vamboitwa nemasangano akazvimirira.
Nemusi weChina bepanhau reHerald rakaburitsa mashoko ekuti vemasangano akazvimirira pasi pesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition vakaita musangano nechinangwa chekuda kupidigura hurumende.
Asi masangano aya anoti aya mashoko enhema akanangana nekuti kupomera masangano akazvimirira mhosva dzaasina kupara.
Nhengo yeZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti vemasangano akazvimirira oga vanoshandiswa nenyika dzekunze kuda kukanganisa hurumende.
Asi mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaTabani Moyo, vanoti mashoko aya ndeemugotsi matsuro.
Facebook Forum