Mubati wehomwe musangano reZimbabwe Hospital Doctors Association Doctor Prince Butau vanoti kuramwa mabasa kwavanachiremba kuchiri kuenderera mberi kunyangwe vari kutarisirwa kuita musangano mangwana kuti votora danho ripi.
VaButau vanoti vanachiremba havachina chivimbo nezvinovimbiswa nehurumende zvikuru kana pasina chanyoreranwa pasi. Vati chakachenjedza ndechakatanga sezvo muna 2014 vakambovimbiswa pakashaya chakazobuda.
Bepanhau reSunday Mail range raburitsa mashoko ekuti kuramwa mabasa kwapera sezvo hurumende yagadzirisa zvimwe zvichemo zvavanachiremba.
Zvichemo izvi zvinosanganisa kushaikwa kwemari muzvipatara uye vanachiremba vanoti vanoda kutambiriswa mari yekuAmerica sezvo mitengo yezvinhu iri kuramba ichiita chamurambamhuru.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano VaObidiah Moyo sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.
Facebook Forum