Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba Vanoti Kuramwa Mabasa Kuri Kuendera Mberi


zimbabwe doctors strike
zimbabwe doctors strike

Mubati wehomwe musangano reZimbabwe Hospital Doctors Association Doctor Prince Butau vanoti kuramwa mabasa kwavanachiremba kuchiri kuenderera mberi kunyangwe vari kutarisirwa kuita musangano mangwana kuti votora danho ripi.

VaButau vanoti vanachiremba havachina chivimbo nezvinovimbiswa nehurumende zvikuru kana pasina chanyoreranwa pasi. Vati chakachenjedza ndechakatanga sezvo muna 2014 vakambovimbiswa pakashaya chakazobuda.

Bepanhau reSunday Mail range raburitsa mashoko ekuti kuramwa mabasa kwapera sezvo hurumende yagadzirisa zvimwe zvichemo zvavanachiremba.

Zvichemo izvi zvinosanganisa kushaikwa kwemari muzvipatara uye vanachiremba vanoti vanoda kutambiriswa mari yekuAmerica sezvo mitengo yezvinhu iri kuramba ichiita chamurambamhuru.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano VaObidiah Moyo sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Hurukuro naDr Prince Butau
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG