Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yomisa Basa Vamwe Vechidiki


Hurumende nemusi weChishanu yakatanga kumisa basa vamwe vechidiki vange vachishanda mumawadhi ekumamisha kana kuti maYouth Officers nechinangwa chekuda kuyedza kuderedza mari iri kushandiswa kubhadhara vashandi vehurumende.

Nyaya yekumisa vechidiki ava basa yakataurwa negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthulu Ncube, gore rapera vachiti mari zhinji yehurumende inosvika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana iri kushandiswa kubhadhara vashandi vehurumende.

Asi pakamboyedza vaive gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, kumbomisa vechidiki ava basa vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemamwe makurukota avo vakatsika madziro.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti vechidiki ava vanoshandiswa nebato riri kutonga kutyora kodzero dzevanopikisa.

Asi vechidiki ava vanoti vanoita basa rakakosha kukurudzira vechidiki kuzviitira mabasa emaoko.

Zvinonzi pawadhi yoga yoga pange paine vechidiki ava vatanhatu asi parizvino pave kusiiwa mumwe chete.

Mumashoko aro kuvatori venhau, Bazi rePublic Service Commission rati ramisa vechidiki zviuru zvitatu nemazana matatu nemakumi matanhatu nevashanu.

Mumwe wevechidiki ava, VaTakawira Maluku vekuGuruve, vati havasi kufara nekumiswa basa kwevamwe vechidiki.

Hurukuro naVaTawanda Maluku
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG