Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mumigwagwa Vorwisana neMapurisa neMauto


MuHarare nemamwe maguta mange muine kurwisana pakati pevanotengesa mumigwagwa nemapurisa dzimwe nguva mauto ebazi reMilitary Police.

Mutauriri wekanzuru VaMichael Chideme vaudza Studio 7 kuti vari kumboferefeta nyaya iyi. Hatina kukwanisa kubatawo mutauriri wemapurisa Amai Charity Charamba kuti tinzwe kuti seimapurisa ari kudzinga vanhu mumigwagwa.

Asi hurumende inoti haisi kuda kuti vanhu vatengeser panzvimbo dzisina kutarwa sezvo zvichizokonzera kupararira kwezvirwere zvakaita secholera netyphoid.

Asi mukuru werimwe sangano rinomiririra vanotengesa mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation kana kuti VISET VaSamuel Wadzai vaudza Studio 7 kuti nhengo dzavo dziri kudzingwa kana pane nzvimbo dzakatarwa nekanzuru kuti vatengesere.

Hurukuro naVaSamuel Wadzai
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG