Vanachiremba vakatanga kuramwa mabasa musi wa 1 Zvita vanoti havasi kuzodzokera kumabasa kunyangwe dare revashandi nevashandirwi reLabour Court rakatonga kuti vadzokere kumabasa richiti kuramwa mabasa uku kwaisava pamutemo sezvo vasina kunyatsopa nguva inodiwa pamutemo kuti vanoda kuratidzira.
Vatongi vedare iri Amai Betty Chidziva naAmai Gladys Mhuri vakati vanachiremba ava havanawo kuratidza kuti hupenyu hwavo huri munjodzi nemamiriro akaita zvinhu muzvipatara.
Vakapawo bhodhi reHealth Services Board simba rekutora mari dzavanachiremba pamazuva ose avairamwa mabasa.
Asi vachitaura neStudio 7, vanachiremba vakawanda vati havasi kuzodzokera kumabasa kusvika zvichemo zvavo zvagadziriswa.
Ongororo yaitwawo neStudio 7 muzvipatara zvehurumende yaratidza kuti zvinhu zvichiri zvakaita manyama amire nerongo nekuti muzvipatara hamuna vanachiremba.
Facebook Forum