Kunyangwe hazvo hurumende yakabvumidza vanhu kuti vatenge zvinhu kubva kuSouth Africa, Botswana, Mozambique, Zambia nedzimwe nyika ichiti zvichapa kuti mitengo yezvinhu munyika iderere, zvinhu zvinenge zvave kutowedzera mitengo zvimwe nezvikamu mazana mashanu kubva muzana zvapa kuti vanhu vaomerwe nehupenyu zvakanyanya.
Sangano reZCTU rinoti kuti zvinhu zvinakire vashandi vave kutoda kuwedzerwa mari inodarika zvikamu mazana matanhatu kubva muzana. Zvinhu zvekudya, michovha, mari dzechikoro dzevana nezvimwe zvawedzerwa mitengo zvakanyanya.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Godfrey Kanyenze vanotungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vanoti chiri kupa kuti zvinhu zvidhure inyaya yekuti vanotenga zvinhu kunze vanotenga mari pamukoto vozodhurisa.
Mutemo wekurambidza kutengwa kwezvinhu kunze wakambenge wadzikwa muna 2016 senzira yekusimudzira maindustry munyika. Asi huruemnde gore rapera yakazoti yave kutendera kuti zvimwe zvinhu zvitengwe kunze sezvo yaipomera vemabhizimisi mhosva yekudhurisa zvinhu.
Facebook Forum