Accessibility links

Breaking News

VaMangwana Vanoti VaMnangagwa Ngavapihwe Nguva Asi VaMwonzora Vachiti Vakundikana Kutungamira


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Kunyange hazvo zvinhu munyika zvakaita manyama amire nerongo munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevamwe vakuru mubato ravo vanoti zvinhu mugore ra2019 zvinenge zvichaita zviri nani asi vachiti vanhu vasunge dzisimbe.

Vashandi vehurumende nemumakambani akazvimirira vari kuchema chema kuti mari dzavari kutambira dzemaRTGS nemabond notes hadzichina simba nekudaro vave kuda kutambira nemadhora ekuAmerica sezvo zvinhu muzvitoro zvakawanda zviri kutengeswawo nemari iyi kana kuti zvave kudhura.

Hurumende iri kutsika madziro ichiti hapana anopihwa mari yekuAmerica iyi.

Munyori wezvemutemo mubato reZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti VaMnangagwa vanoda kupihwa nguva nekuti vakasarudzwa kwemakore mashanu.

Asi munyori mukuru mubato rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaDouglas Mwonzora, vanoti VaMnangagwa vakundikana basa semutungamiri wenyika.

Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG