Sachigaro wesangano revakuru vemabhizimisi reCEO Africa Roundtable uye vaive mutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce VaOswell Binha vanoti hurumende inofanira kuregera vemabhanga vachikweretesa vemabhizimisi mari dzekunze kwete kuti zviitwe neReserve Bank of Zimbabwe.
Makambani akawanda anoti ari kunyorera tsamba kuRBZ asi kuti apihwe mari asi hapana chiri kubuda.
Mamwe makambani anoti kana kutowana mari yaanenge aendesa kubhanga iri atengesa zvinhu kunze kuri kunetsa.
RBZ inoti inokoshesa zvinhu zvakaita semafuta ekufambisa dzimotokari nezvimwe pakupa vemabhizimisi mari yekutengesa zvinhu zvinoda madhora ekuAmerica.
Makambani mazhinji anonzi ari kushanda pasi pezvidimbu makumi matatu kubva muzana nenyaya yekushaya mari yekunze.
Hurumende inonzi iri kukweretawo mari yakawandisa munyika nekunze uye kutadza kubhadhara zvikwereti kunyika dzakaita seBritain uko kuri kunzi mari yemitero wemuzinda weZimbabwe inoda kubhadharwa yave kudarika zviuru zana zvemadhora.
Facebook Forum