Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora naVaMangwana Vokakazadzana neNyaya yeNhaurirano Pakati paVaMnangagwa naVaChamisa


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Kubva zvatorwa mhiko nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, musi wa26 Nyamavhuvhu, Zimbabwe yaramba yakatarisana nematambudziko makukutu munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika.

Kuoma kwezvinhu uku kwava kupa kuti vakawanda munyika vakurudzire hurumende nemapato anopikisa kuti vataurirane.

Iyi ndiyo kurudziro iri kupihwawo nenyika dzakabudirira dzakaita seAmerica neBritain kuti munyika muve nekugadzikana.

VaMnangagwa vakambovimbisa kuti vachaumba hofisi yemukuru webato rinopikisa mudare reparamende asi kusvika pari zvino hapana chati chabuda sezvo zvichinzi Zanu-PF neMDC ave makara asionane.

VaMnangagwa vanoti havasi kuda zvekuumba hurumende yemubatanidzwa sezvakamboitwa pakawama nyika kuzvitonga kuzere muna 1980 uye kushanda pamwe kwebato rePF-Zapu neMDC VaMugabe vachiri panyanga.

Asi munyori mukuru muMDC VaDouglas Mwonzora vanoti naivo havadi hurumende yemubatanidzwa asi hurumende inombobata matomu zvinhu zvichigadziriswa.

Asi munyori muMDC, VaMunyaradzi Paul Mangwana vanoti MDC kana ichida nhaurirano inofanira kutanga yatenda kuti VaMnangagwa ndivo vakakunda musarudzo.

Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG