Accessibility links

Breaking News

Amai Pelosi Vanosarudzwa kePiri Kuve Mutauriri weDare reParamende reAmerica


Amai Nancy Pelosi vebato reDemocratic Party vakasarudzwa kepiri kuve mutauriri weHouse of Representatives.
Amai Nancy Pelosi vebato reDemocratic Party vakasarudzwa kepiri kuve mutauriri weHouse of Representatives.

Amai Nancy Pelosi vebato reDemocratic Party rinopikisa riri kutonga muAmerica reRepublican Party, vakasarudzwa zvekare kuti vave mutauriri wedare reparamende reHouse of Representatives muAmerica.

Amai Pelosi vakambova mutauriri zvekare kubva muna 2007 kusvika 2011 uye ndivo mudzimai wekutanga kuitwa mutauriri wedare iri uye munhu wekutanga mumakore makumi matanhatu kusarudzwa kechipiri kuita mutauriri wedare iri.

Izvi zvinotevera kukunda zvine mutsindo musarudzo kwakaitwa nebato ravo muna Mbudzi gore rapera.

Dare reHouse of Representatives rine nhengo mazana mana nemakumi matatu nemashanu uye maDemocrats ane nhengo mazana maviri nemakumi matatu nemashanu.

MuSenate maRepublicans ane nhengo makumi mashanu nenhatu maDemocrats aine nhengo makumi mana nenomwe. Nhengo dzedare iri dzakatoreswa mhiko nemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaMike Pence.

Mudare iri mune madzimai zana kusanganisa Muzvare Alexandria Ocasio-Cortez vekuNew York vane makore makumi maviri nemapfumbamwe vanova munhu wechidiki zvakanyanya kusarudzwa, Amai Rashida Tlaib vekuMichigan naAmai Ilhan Omar vekuMinnesota vanova madzimai ekutanga echiMuslim kusarudzwa kuve nhengo dzeHouse of Representatives.

Amai Deb Haaland Sharice vekuNew Mexico naAmai Davids vekuKansas ndivo madzimai maviri ekutanga nerudzi rwechiNative American kusarudzwa kupinda mudare iri.

Bato remaRepublicans ndiro rine mutungamiri wenyika VaDonald Trump uye riri kukokera mudare reSenate.

Muzvare Lucy Chivasa, igweta rinorwira kodzero dzevanhu vari muno muAmerica pasi pechirongwa cheHubert Humphrey, uye vari kuMinnessota kune mudzimai wekutanga wechitendero chechiMuslim kusarudzwa mudare reSenate.

Muzvare Chivasa vanoti chakanyanyokosha ndechekuti madzimai akasarudzwa kupinda mudare reparamende aya akatokwikwidzawo akakunda musarudzo, sevanhurumende vakakundawo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG