Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vodimbura Zororo Asi Vachitambirwa neKuramwa Mabasa Muzvipatara


Hofisi yemutungamiri wenyika neChitatu yakaita musangano navana chiremba vari kuramwa mabasa kekutanga kubva zvakatanga vanachiremba ava kuratidzira musi wa 1 Zvita gore rapera.

Vamwe vana chiremba vakuru vari vana mazvikokota kana kuti maRegistrars nemaConsultancy vange vatangawo kuramwa mabasa neChitatu. Vanhu vakawanda munyika vanoti vanhu vari kurasikirwa nehupenyu nekuda kwekuramwa mabasa kwavana chiremba uku.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakadzoka kubva kuzororo neChipiri kuti vazobatana nevaikafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, General Constantino Chiwenga, kuyedza kugadzirisa dambudziko rekuramwa mabasa kwavanachiremba iri.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vatenda kuti VaMnangagwa vakadzoka kubasa kuzobatsira kudzimura moto.

Nemusi weChipiri VaChiwenga vainge vambodya marasha vachiti vanachiremba vanofanira kudzokera kumabasa.

Vana chiremba vakuru vari pasi peZimbabwe Medical Association vange vapa hurumende maawa makumi mana nemasere kugadzirisa nyaya yavanachiremba vadiki vabva vatangawo kuramwa mabasa.

Asi hofisi yaVaMnangagwa yabva yaita musangano nevatungamiri veZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Elias Muzoremba, vachinzwa zvichema zvavana chiremba ava.

Mutsamba yavo kuvatori venhau, vana chiremba ava vati vaudza hofisi yemutungamiri wenyika kuti iri kuudzwa zvisizvo nebhodhi rinofanira kugadzirisa zvichemo zvavo reHealth Services Board.

Vana chiremba ava vanoti vari kuda kuti hurumende igadzirise nyaya yekushomeka kwemishonga muzvipatara nezvimwe zvikwanisiro uye kuti vapihwe mari dzavanotambira nemadhora ekuAmerica sezvo mari dzemaRTGS dzisisina simba.

Pari zvino vana chiremba ava vari kutambira mazana matatu nemakumi maviri nemadhora mapgumbamwe pamwedzi. Asi mari iyi inouya ari maRTGS.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paNelson Mandela Metropolitan University, Muzvinafundo Gift Mugano, vaudza Studio 7 kuti hurumende haikwanise kubhadhara mari iyi zvachose nemamiriro akaita zvinhu.

Tabvunzawo Dr Mugano kuti sezvo makambani mamwe ave kubhadharisa nemadhora ekuAmerica pazvinhu zvavanotengesa pangaitwa sei kugadzirisa mari dziri kutambirwa navanachiremba.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti hurumende ipe bazi rezvehutano mari yakawanda mubhajeti.

Vakawanda munyika vari kuchema chemawo kuti makadhi emaHealth Insurance haasi kushanda uye pakutenga mishonga kuma pharmacy vari kunzi vauye nemadhora ekuAmerica zvapa kuti vangogume vogara kumba.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG