Muimbi Sabastian Magacha anoti ari kufara zvikuru nekutambirwa kuri kuitwa kambo Mweya Mutsvene nditakure ako akaimba naJah Prayzah.
Magacha anoti aka ndiko kambo kake kekutanga kuita vhidhiyo paYou Tube yakaonekwa nevanhu vanodarika miriyoni imwe chete muchinguva chipfupi pfupi.
Muimbi anoti anotenda Jah Prayzah nekubvuma kwake kuti vaite mushandirapamwe pakambo aka padambarefu rake, Wonererwai Jesu. Magacha akaimbawo nevamwe vaimbi vanosanganisa Madzibaba Nicholas Zacharia, Alec Machesu uye Prudence Katomeni Mbofana.
Paabvunzwa neStudio 7 kuti sei achiimba nevaimbi vemimwe misambo isiri yekereke, Magacha ati kuparidza kunoitwa nenzira dzakasiyana siyana.
“Ndiri muvhangeri, basa rangu guru nderekuunza vanhu kuna Jehovha, ndiri muredzi wehove, kana ndichiunza vamwe vaimbi ndinenge ndichiyedza kushumira kuburikidza nevanhu ivavo tichitaura nezvehukuru hwaJehovha."
Muimbi anoti parizvino ari mumastudio kubika dambarefu richaparurwa mugore ra2019.
Facebook Forum