Accessibility links

Breaking News

Muimbi Sebastine Magacha Ofara Nekutambirwa kweKambo Kake naJah Prayzah


Sebastian Magacha
Sebastian Magacha

Muimbi Sabastian Magacha anoti ari kufara zvikuru nekutambirwa kuri kuitwa kambo Mweya Mutsvene nditakure ako akaimba naJah Prayzah.

Magacha anoti aka ndiko kambo kake kekutanga kuita vhidhiyo paYou Tube yakaonekwa nevanhu vanodarika miriyoni imwe chete muchinguva chipfupi pfupi.

Muimbi anoti anotenda Jah Prayzah nekubvuma kwake kuti vaite mushandirapamwe pakambo aka padambarefu rake, Wonererwai Jesu. Magacha akaimbawo nevamwe vaimbi vanosanganisa Madzibaba Nicholas Zacharia, Alec Machesu uye Prudence Katomeni Mbofana.

Paabvunzwa neStudio 7 kuti sei achiimba nevaimbi vemimwe misambo isiri yekereke, Magacha ati kuparidza kunoitwa nenzira dzakasiyana siyana.

“Ndiri muvhangeri, basa rangu guru nderekuunza vanhu kuna Jehovha, ndiri muredzi wehove, kana ndichiunza vamwe vaimbi ndinenge ndichiyedza kushumira kuburikidza nevanhu ivavo tichitaura nezvehukuru hwaJehovha."

Muimbi anoti parizvino ari mumastudio kubika dambarefu richaparurwa mugore ra2019.

Hurukuro naSabastian Magacha
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG