Accessibility links

Breaking News

Nyakubatwa neMusoro weMunhu Omiswa Pamberi peDare


Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti vachiri kuferefeta kuti Emmanuel Anesu Matsika ane makore makumi maviri nemasere ekuberekwa akabatwa aine musoro waVaDavid Arendi muHarare aishanda nevamwe vanhu here.

“Tichiri kuferefeta nyaya iyi kuti tione kuti Matsika aishanda ega here?”, vakadaro Assistant Commissioner Nyathi. Matsika akamiswa pamberi pedare neMuvhuro akaudza mejastiriti VaElisha Singano kuti ainge apara mhosva iyi uye aida kureurura sezvo zvaimubatsira kuchenura moyo wake.

Matsika anoti akabaya VaArendi pahuro kusvika vafenda asati avadimbura musoro. Paakabvunzwa nemutongi kuti akamborwara nechirwere chepfungwa here, Matsika akati kwete.

Mutongi akabva ati Matsika adzoke kudare nemusi wa 7 Ndira uye nyaya iyi inenge yoenda kudare repamusoro reHigh Court.

Vachuchusi vanoti musi wa21 Zvita pachimbuzi chisisashandiswe kuna Lyton Road, Workington muHarare, Matsika akadimbura VaArendi musoro nebanga ndokuvadimbura musoro achisiya mutumbi wavo.

Matsika akazosungwa kuAvondale aine musoro waVaArendi uye aine mapanga maviri ane ropa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG