Accessibility links

Breaking News

Mumashoko Avo Pazuva reKisumusi VaMnangagwa Vokurudzira Kubatana


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakurudzira mhuri yeZimbabwe kuti ibatane pazororo rekisimusi kunyangwe hazvo vatenda kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzezvehupfumi.

Mumashoko avo kumhuri yeZimbabwe pazororo rekisimusi, VaMnangagwa vakakuridzira vanhu kuti vaise musoro pamwe chete vachiita mushandirapamwe kuti munyika muve nebudiriro.

Vanoti matambudziko akatarisana nenyika anokwanisa kupera kana paine mushandirapamwe.

Mutungamiri wenyika vatendawo vanobatsira vamwe zvikuru vanoshaya panguva ino yekisimusi. VaMnangagwa vati kisimusi inenge yakaomera vanhu asi zvakakosha kuti varambe vakazvipira, vakagadzika hana pasi uye kuva nerudo kuti nyika ivandudzike zvekare.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vaudza Studio 7 kuti VaMnangagwa mutungamiri ane rudo uye akazvipira kugadzirisa zviri kunetsa.

Hukuro naAmai Monica Mutsvangwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG