Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvikoro Zvomanikidza Vabereki Kubhadhara neMadhora ekuAmerica


Zvimwe zvikoro zvakazvimirira zvatanga kunyorera matsamba kuvabereki zvichiti zvave kuda kuti vabhadhare nemari yekuAmerica chete kwete kushandisa mabond notes kana maRTGS izvo zvopa kuti vabereki vakawanda vaomerwe nehupenyu.

Zvikoro zvinovhurwa zviri pamutemo musi wa 8 Ndira 2019.

Mari iri kudiwa nezvikoro kune vana vari kumabhodhingi inosvika zviuru zvitatu nemazana mashanu emadhora ekuAmerica, uye zvikoro izvi zvoti zvinoda imwe mari yekutenga zvikwanisiro inosvika zana nemakumi mashanu emadhora ekuAmerica.

Chikoro cheHellenic chakati vabereki vabhadhare zviuru zviviri zvemadhora ekuAmerica vombomirira kunzwa kuti pachadiwa imwe mari here.

Chikoro cheMasaisai Primary kuWestgate muHarare chinonzi chiri kuda mari inosvika mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu emadhora ekuAmerica kubva pamadhora ekuAmerica zviuru zvisere.

Zvimwe zvikoro zvakaita seBryston Primary zviri kuti munhu anobhadhara zvakapetwa katatu kana achida kubhadhara neRTGS.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvedzidzo, Muzvinafundo Paul Mavima, sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo asi vakambozivisa Studio 7 kuti hazvisi pamutemo kumanikidza vabereki kubhadhara madhora ekuAmerica chete.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachidzidzisa paMetropolitan University kuJohannesburg, South Africa, Muzvinafundo Gift Mugano, vaudza Studio7 kuti zvave kuitika zvekuti zvikoro nevemabhizimisi uye mamwe makanzuru vave kuda dhora rekuAmerica kuratidza kuti nyika yave kudzokera zvishoma zvishoma mukushandisa dhora remuAmerica chete.

Hurukurona naMuzvinafundo Gift Mugano
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG