Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weMuvhuro vakabatana nevatungamiri vedzimwe nyika dzemuAfrica muTanzania kuchema mutungamiri wenyika iyi VaJohn Pombe Magufuli.
Mutambi aive nemukurumbira zvikuru munyika Anne Nhira uyo akapondwa nevanhu vasati vazivikanwa apo ainamata musi wa11 Kurume kuSouth Africa akaradzikwa nemusi weSvondo kuZororo Memorial Park kuChitungwiza.
Sachigaro weZimbabwe Election Support Network VaAndrew Makoni vari kukurudzira hurumende kuti iite sarudzo dzemaby-elections.
Bazi rezvehutano rakazivisa neMugovera kuti hapana munhu akafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vachiri chiuru chimwe chete nemazana mashanu negumi kana kuti 1, 510.
Dare revanhu vatatu, kana kuti Tribunal, rekutonga mutongi wedare repamusoro, Justice Erica Ndewere, rakatanga nezuro mangwanani kuzeya nyaya iyi.
Nhoroondo yekudyidzana kwakasimba pakati peZimbabwe neTanzania kubva kuhondo yerusununguko iri kupa vakawanda munyika vataure nezverufu rwemutungamiri wenyika iyi VaJohn Magufuli.
Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition riri kushora zvikuru gungano renyika dzekuchamhembe kweAfrica reSADC richiti riri kutadza kupindira kuti repedze hondo pakati peMozambique nevakaipandukira vanopfurikidzwa mwero veIslamic State.
Mutungamiri wesangano revakoti reZimbabwe Nurses Association VaEnoch Dongo vanoti nyaya yekuti vashandi vemuzvipatara vashoma vari kubayiwa nhomba yeCovid-19 iri kukonzerwa nekuti hurumende haisi kuvapa dzidziso yakakwana.
Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti kambani yeZupco, iyo yakanzi ndiyo yoga inofanira kutakura vanhu, iri kukundikana kuita basa rayo.
Muzvinafundo Mthuli Ncube vakazivisa mugwaro rehurumende kana kuti Government Gazette kuti vari kuzowedzera negore kurambidzwa kutengesa pamusika weZimbabwe Stock Exchange kwemakambani anoti Old Mutual nePPC.
Mukuru wesangano revagari, re Chitungwiza And Manyame Rural Residents Association, VaMarvelous Khumalo, vanoti sangano ravo raparura chirongwa chekukurudzira hurumende kuti iendese masimba kumatunhu nechimbi chimbi senzira yekuasimudzira.
Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChishanu kuti vanhu vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave chiuru chimwe chete nemazana mashanu nemumwe kana kuti 1, 501.
Sangano reUNICEF muZimbabwe rinoti riri kutsvaga mari inosvika mamiriyoni makumi masere nemana kana kuti US$84 million kubatsira vana vemuZimbabwe avo vatarisana nenzara iri kukonzerwa nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika.
Zvikoro zviri kutarisirwa kuvhurwa nemusi weMuvhuro asi paine ropa rakaipa pakati pehurumende nemamwe masangano evarairidzi nekuda kwenyaya yemihoro nezvematanho ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Zimbabwe nemusi weMugovera yakashura mare pamutambo wayo neAfghanistan uri kutambirwa kuAbu Dhabi mumutambo wetest cricket uri kutarisirwa kupetwa nemusi weSvondo.
Vaimbova meya weHarare VaHerbert Gombo veMDC Alliance nemusi weMugovera vakamiswa pamberi pedare nenyaya yemhosva yavari kupomerwa yekupa vanhu nzvimbo dzekuvakira dzimba zvisiri pamutemo.
Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChishanu kuti vanhu vana vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave chiuru chimwe chete nemazana mana ane makumi mapfumbamwe nevatanhatu kana kuti 1,496.
Musangano pakati pehurumende nevashandi vayo wenyaya yemuhoro pasi peNational Joint Negotiating Council Forum uri kutarisirwa kutanga nemusi weChishanu mushure mekunge vashandi vazivisa kuti vainge voronga kuratidzira sezvo hurumende yange yave kutsika madziro panyaya yenhauririrano.
Sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti riri mubishi kuyedza kuburitsa muhusungwa vechidiki vana vari kupomerwa mhosva dzakasiyana siyana.
Munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vari kukurudzira makambani ose kuti atange misangano nemasangano evashandi vachikurukura nyaya dzemihoro.
Rodhai zvimwe