Accessibility links

Breaking News

Vakoti Vanoti Kushaya Ruzivo Kwopa Kuti Vashandi veMuzvipatara Vatye Kubayiwa Nhomba yeCovid-19


Mutungamiri wesangano revakoti reZimbabwe Nurses Association VaEnoch Dongo vanoti nyaya yekuti vashandi vemuzvipatara vashoma vari kubayiwa nhomba yeCovid-19 iri kukonzerwa nekuti hurumende haisi kuvapa dzidziso yakakwana.

Muchikamu chekutanga chekubaya vashandi ava nhomba, vanhu zviuru makumi matatu nepfumbamwe zvinemazana mashanu nemakumi mashanu kana kuti 35, 550 ndivo vainge vabayiwa nhomba kusvika musi weChipiri panhomba inokwana kubaya vanhu zviuru zana kana kuti 100 000 yakatanga kupinga munyika kubva kuChina.

Zimbabwe Association of Doctors for Human Rihts uye vakuru mubazi rezvehutano muMashonaland West vanoti vari kushushikana nekushomeka kwevashandi vemuzvipatara vabayiwa nhomba kusvika parizvino.

Nyaya yekuti vamwe vari kutenderera mashoko anonzi nenyanzvi munyaya dzezvehutano manyepo ari kupa kuti vakawanda vatyewo kubayiwa nhomba ichinzi inogona kuzokonzera matambudziko pahutano hwavo. VaDongo vati vakazvipira kushanda nehurumende kukurudzira vakoti kuti vabayiwe nhomba.

Hurukuro naVaEnoch Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bazi rezvehutano riri kuramba mashoko ekuti harisi kupa dzidziso yakakwana richiti chinangwa charo ndechekubaya nhomba vanhu mamiriyoni gumi zvichiteverawo kupinda munyika kweimwe nhomba zviuru mazana mana nemusi weChipiri kubva kuChina.

Asi gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vainge vamboti nhomba ichapinda munyika kutanga kwemwedzi uno kubva kuChina inosvika zviruu mazana matanhatu kana kuti 600, 000.

Vamwe mubazi rezvehutano vanoti mari dzekudzidzisa vanhu nezveCovid-19 hadzisi kushandiswa zvakanaka vachipa semuenzaniso kusungwa kwemukuru anoona nezvezvirwere zvekutapuriranwa mubazi rezvehutano Dr Portia Manangazira. Dr Manangazira vakasungwa vachipomerwa mhosva yehuori pamari yakabva ku Africa Centre for Disease Control yekudzidzisa vamwe vashandi vezvehutano mumatunhu nezveCovid-19.

Asi mutauriri mubazi rezvehutano VaDonald Mujiri vanoti hurumende iri kuita zvirongwa zvekudzidzisa vanhu nezveCovid-19 zvakakwana.

Hurukuro naVaDonald Mujiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG