Sachigaro weZimbabwe Election Support Network VaAndrew Makoni vari kukurudzira hurumende kuti iite sarudzo dzemaby-elections sezvo matunhu akawanda asara asisina vamiririri zvichitevera kudzingwa mudare reparamende kwenhengo dzeMDC Alliance kunyanya nemapato anoti MDC-T nePDP.
Asi vachipindura kuti sarudzo dzinoitwa riinhi sezvo vanhu vave kubvumidzwa kufamba munguva ino yeCovid-19 nekuda kwekuderera kwehuwandu hwevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere ichi, sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba vaudza Studio 7 kuti havana zvekutaura sezvo nyaya iyi iri kumatare parizvino.
Vamwe vanhu vapfumbamwe vakaendesa kumatare mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, mutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga vanove gurukota rezvehutano neZEC kumatare vachiti vanoda kuti sarudzo dziitwe sezvo vasisina vamiriri kwenguva yakareba.
VaChiwenga ndivo vakati sarudzo dzimiswe nekuda kwekuti huwandu hwevanhu vainge vobatwa neCovid-19 hwainge hwawedzera.
Asi United Nations iri kukurudzira nyika dzose kuti dziite sarudzo dzichitevedzera kurudziro kubva kuWorld Health Organization pakudzivirira kupararira kweCovid-19.
Nyika dzakawanda muAfrica dzinosanganisira, Uganda, Tanzania, Malawi, Mali, Chad, Ghana, Gabon, Burundi nedzimwe dzakaita sarudzo munguva yeCovid-19.
VaMakoni vanoti hapana chinotadzisa kuti sarudzo dziitwe sezvakaitwa kunyika dzakawanda uye vanoti vezvematongerwo enyika vari kuita magungano.
Facebook Forum