Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vashanu Vofa neCovid-19


Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChishanu kuti vanhu vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave chiuru chimwe chete nemazana mashanu nemumwe kana kuti 1, 501.

Vanhu makumi mana nevasere kana kuti 48 vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vanhu vabatwa nechirwere ichi vave zviuru makumi matatu nematanhatu ane makumi namomwe nemumwe kana kuti 36, 471.

Vanhu gumi nevashanu kana kuti 15 vakapora kubva kuchirwere ichi zvichireva kuti vapora kubva zvatanga chirwere ichi kupararira vave zviuru makumi matatu nemana ane gumi nemumwe kana kuti 34 011.

Vanhu vachiri kurwara mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nevapfumbamwe kana kuti 959.

Zvichakadaro, huwandu hwevashandi vemuzvipatara nevamwe vanoita mabasa anopa kuti vasangane neveruzhinji kusanganisira vatori venhau nevanochengetedza majeri vabayiwa nhomba yeSinopharm yakapihwa Zimbabwe neChina hwasvika pazviuru makumi matatatu nezvitanhatu zvine mazana matatu nemakumi mashanu nevapfumbamwe kana kuti 36, 359.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi rezvehutano VaDonald Mujiri vanoti chinangwa chehurumende ndechekuti vanhu vanodarika mamiriyoni gumi vabayiwe nhomba kuti inyatsoshanda.

Pasi Rose

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vanodarika zviuru mazana mashanu nemakumi matatu nevaviri kana kuti kuti 532, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni makumi maviri nemapfumbamwe kana kuti 29 million.

Pasi rose, vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu kana kuti 2,6 million. Asi vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni makumi matanhatu nemanomwe zvine zviuru mazana mashanu kana kuti 67,5 million.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG