Accessibility links

Breaking News

Hakuna Munhu Akafa neCovid-19 neMugovera Ukuwo Vakoti Vachinyunyuta neMari dzeMihoro


Nurses protest at the United Bulawayo Hospitals in Zimbabwe. (Bathabile Masuku)
Nurses protest at the United Bulawayo Hospitals in Zimbabwe. (Bathabile Masuku)

Bazi rezvehutano rakazivisa neMugovera kuti hapana munhu akafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vachiri chiuru chimwe chete nemazana mashanu negumi kana kuti 1, 510.

Vanhu gumi vakabatwa nechirwere ichi neMugovera zvasiya vanhu vabatwa nechirwere ichi vave zviuru makumi matatu nematanhatu zvine mazana matanhatu nemakumi matanhatu nevaviri ana kuti 36, 662.

Vanhu vasere vakapora kubva kuchirwere ichi zvichireva kuti vanhu vapora kubva zvatanga chirwere ichi kupararira vave zviuru makumi matatu nemana zvine mazana maviri nemakumi mashanu nevanomwe kana kuti 34, 257.

Vanhu vachiri kurwara mazana masere nemakumi mapfumbamwe nevashanu kana kuti 895.

Pavanhu vachiri kurwara, vanhu makumi mashanu nemumwe ndivo vari muzvipatara. Kusvika parizvino, bazi rezvehutano rinoti vanhu zviuru makumi mana nemaviri zvine mazana maviri negumi kana kuti 42, 210 ndivo vabayiwa nhomba yeCovid-19.

Zvichakadaro, kunyangwe zvinhu zvisina kumira zvakanaka pasi rose nenyaya yechirwere cheCovid-19 zvikuru kune vanoshanda muzvipatara, vakoti muZimbabwe vari kuti hurumende haina zvairi kuita kuti ivawedzerewo mari dzavanotambira.

Hatina kukwanisa kuti tinzwe kubva kumutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vanovezve gurukota rezvehutano sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Asi vakambovimbisa kuti vane chido chekuti vashandi ava vawedzerwe mari. Mutungamiri wesangano revakoti reZimbabwe Nurses Association VaEnoch Dongo vanoti vari kushushikana nenyaya yekusawedzerwa mari vachiti zviri kupa kuti vashande vachigunun'una.

Hurukuro naVaEnoch Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mana kana kuti 4 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica. Vanhu vafa vadarika zviiru zana nepfumbamwe kana kuti 110, 000.

Vapora muAfrica vadarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana matanhatu kana kuti 3, 6 million. South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwave kuda kusvika zana remamiriyoni rine makumi maviri nematatu kana kuti 123, 9 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vanodarika zviuru mazana mashanu nemakumi mana nechimwe kana kuti kuti 541, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni makumi maviri nemapfumbamwe ane zviuru mazana manomwe kana kuti 29, 7 million.

Pasi rose, vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana manomwe kana kuti 2,7 million. Asi vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni makumi matanhatu nemapfumbamwe ane zviuru mazana matanhatu kana kuti 69,6 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG