Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoti Zupco Iri Kutadza Kuita Basa Rayo neMazvo Zvopa Kuti Vanhu Vanetseke Mumigwagwa


VaJaphet Moyo

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti kambani yeZupco, iyo yakanzi ndiyo yoga inofanira kutakura vanhu, iri kukundikana kuita basa rayo.

Munyori mukuru weZCTU, VaJahet Moyo, vanoti kukundikana kweZupco kwava kupa kuti vanhu kuti vatadze kusvika kudzimba nenguva.

Izvi zvinonziwo zvave kupa mukana vamwe vanotakura vanhu zvisiri pamutemo kuti vawedzera mari dzemichova zvosiya mushandi asina chekubata.

Nezuro muHarare vanhu vakamira kwemaawa akawanda nekushaya mabhazi uye vanotakura zvisiri pamutemo vakabva vatanga kuwedzera mari nezvikamu makumi mashanu kubva muzana kana kuti 50%.

MuHarare handimo chete mune dambudziko nekuti kunzvimbo dzakaita seSilobela vanhu vanoti vave kubhadhariswawo madhora gumi ekuAmerica kubva pamadhora mashanu kuenda kuguta reKwekwe.

Izvi vemichovha vanoti vari kuzviita nekuti migwagwa yaipa nekuda kwekunayisa kwemvura zvopa kuti kugadzirisa mota dzinenge dzafa kudhure.Asi mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, svondo rapera vakati mapurisa arambe achisunga vose vanotakura vanhu zvisiri pamutemo.

Vakati vemakombi vainge vodhurisa uye kusaremekedza mitemo yenyika.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, pamusoro pevanhu vari kutyora mitemo.

Blessing Zulu weStudio 7 aita hurukuro VaMoyo pamusoro pedambudziko iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG