Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition riri kushora zvikuru gungano renyika dzekuchamhembe kweAfrica reSADC richiti riri kutadza kupindira kuti repedze hondo pakati peMozambique nevakaipandukira vanopfurikidzwa mwero veIslamic State.
Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vanoti sangano ravo riri kushushikana zvikuru nezviri kuitika mudunhu reCabo Delgado kuMozambique.
Izvi zvinotevera mashoko kubva kusangano reSave the Children ekuti kana vana vadiki vave kupondwa nevanopfurikidza mwero ava dzimwqe nguva vamwe vachigurwa musoro.
Vanhu vanodarika zviuru zviviri vanonzi vaurayiwa uye vakawanda vamanikidzwa kuenda muhupoteri.
Vatungamiri venyika dzeZimbabwe, South Africa, Tanzania neBotswana vakamboenda kuMozambique muna Zvita gore rapera vakavimbisa kuti vachabatsira.
Asi kusvika pari zvino hapana chabuda.
Munyori webazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vati havakwanisi kutaura pamusoro penyaya iyi sezvo iri kubatwa nenyika dzemuSADC dzose.
Hatina kukwanisa kubata munyori mukuru weSADC, Doctor Stergomana Lawrence Tax, kuti tinzwe divi ravo sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa. VaKhumalo vanotsanangura.
Facebook Forum