Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Vokurudzirwa Kudzosa Old Mutual nePPC paZSE neChimbichimbi


VaMthuli Ncube

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakazivisa mugwaro rehurumende kana kuti Government Gazette kuti vari kuzowedzera negore kurambidzwa kutengesa pamusika weZimbabwe Stock Exchange, ZSE, kwemakambani anoti Old Mutual nePretoria Portland Cement, PPC, ayo ari kupomerwa mhosva yekukonzera kusagadzikana kwehupfumi nekuburiitsa mari kunze kwenyika zvisiri pamutemo.

Asi danho iri riri kushorwa nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi.

Makambani maviri aya akatanga kurambidzwa kutengesa pamusika weZSE gore rapera apo hurumende yakati yainge yatanga kuaferefeta nekutenga nekubuditsa mari yekunze kana kuti foreign currency kunze kwenyika zvakanzi zvaikonzera kusagadzikana kwedhora remunyika uye kukwira kwemitengo yezvinhu.

VaNcube vanoti vachiri kuongorora zvakabuda mutsvakiridzo yemashandiro aiita makambani aya.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDurban University of Technology, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti kumiswa kwemakambani aya hakusi kupa nyika chimiro chakanaka zvikuru kune vanenge vachida kutanga mabhizimisi munyika.

Vatiwo nyika iri kutorasikirwa nemari yakawanda nekusavapo kwemakambani aya paZSE sezvo achiunza mari yekunze kwenyika iri kudiwa zvakanyanya kusimudzira hupfumi.

Muzvinafundo Mugano vati havo makambani aya anogona kunge aisafambisa mabhizimisi zvakanaka asi handizvo zvingape kuti arambidzwe kutengesa paZSE kwenguva yakareba.

Vaimbova mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vatiwo makambani aya ainge akakodzera kurangwa nekuti zvinhu munyaya dzemari yekunze pamusika wemukoto zvakagadzikana kubva zvaatorerwa matanho.

Asi vatiwo zvakakosha kuti nyaya iyi ipetwe makambani aya aendeswe kumusika mutsva weVictoria Falls Stock Exchange unotendera vanhu kutenga nekutengesa nemari yekunze.

Mashoko aya atsinhirwa nenyanzvi munyaya dzezvemabhanga, VaGilbert Muponda, avo vati mabasa emakambani aye ange okonzera kukwira zvakanyanya kwemitengo yezvinhu asi vakatiwo zviri nani kuti aendeswe kuVictoria Falls Stock Exchange.

Vatiwo pane vanhu vakaisa mari dzavo mumakambani aya vari kuvhiringidzwa nematanho akatorwa nehurumende nekudaro nyaya iyi inofanira kugadziriswa nechimbi chimbi.

Makambani maviri aya achiri kuita hawo bhizimisi pamisika yekunze kwenyika sezvo Old Mutual iri paLondon neJohannesburg Stock Exchanges ukuwo PPC iri paBotswana neJohannesburg Stock Exchanges.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG