Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inokurudzirwa Kuendesa Masimba kuMatunhu neChimbi Chimbi


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mukuru wesangano revagari, reChitungwiza and Manyame Rural Residents Association, VaMarvelous Khumalo, vanoti sangano ravo raparura chirongwa chekukurudzira hurumende kuti iendese masimba kumatunhu nechimbi chimbi senzira yekuasimudzira.

Izvi zvinotevera kuchema chema kwevanhu vari mumatunhu ane zviwanikwa zvakaita segoridhe, mangoda, mhuka, nezvimwe kuti hapana chavari kuwana kubva mazviri.

Mubhajeti regore rino, gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakaisa parutivi mari inosvika mabhiriyoni gumi nemapfumbamwe ane zviuru mazana mashanu, kana kuti $19,5 billion, kuzadzikisa bumbiro remutemo ra2013 panyaya yekuendesa masimba kumatunhu.

Asi vamwe vanoti hurongwa hwehurumende huri kutora nguva yakareba kunyangwe hurumende iri kuti yakazvipira uye yaita zvakawanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG