Accessibility links

Breaking News

Ko VaMagufuli Vanorangarirwa Sei? Nyanzvi Dzopa Maonero Adzo


VaJohn Magufuli
VaJohn Magufuli

Nhoroondo yekudyidzana kwakasimba pakati peZimbabwe neTanzania kubva kuhondo yerusununguko iri kupa vakawanda munyika vataure nezverufu rwemutungamiri wenyika iyi, VaJohn Magufuli.

Mutevedzeri waVaMagufuli, Amai Samia Suluhu Hassan, ndivo vave kutarisirwa kutungamira nyika iyi kusvika muna 2025 vachiva mudzimai wekutanga kutungamira nyika iyi munhoroondo yenyika iyi.

Kunyange hazvo VaMagufuli vaizivikanwa nekurwisa huori, kutya Mwari uye kugadzira zvivakwa zvenyika yavo, vamwe vanopikisa vanoti vaimbunyikidza kodzero dzavo.

Mutungamiri webato rinopikisa reCHADEMA, VaTundu Lissu, vakatotiza munyika iyi vachinopotera kuBelgium.

Nyaya yaVaMagufuli yekuramba kutambira nzira dziri kukurudzirwa neWorld Health Organization mukurwisa Covid-19 inonzi nenyanzvi munyaya dzezvehutano inogona kuisa nyika iyi munjodzi.

Vamwe mubato riri kutonga reZanu-PF vanoti matongero avo ainge akafanana zvikuru neebato iri panyaya yekurwisa huori. Asi vamwe vanoti Zanu-PF ine zvakawanda zvekudzidza kubva kuTanzania.

Nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Dzikiti, vanoti VaMagufuli vainge vakafanana matongero avo nebato reZanu-PF zvikuru pakurwisa huori.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaFarai Maguwu, vanoti Zanu-PF haisi kurwisa huori sezvaiita VaMagufuli vachiti chakafanana chete kumbunyikidza vanopikisa.

Hurukuro naVaFarai Maguwu naVaGilbert Dzikiti
please wait

No media source currently available

0:00 0:09:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG