Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vana Vofa neChirwere cheCovid-19


Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChishanu kuti vanhu vana vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave chiuru chimwe chete nemazana mana ane makumi mapfumbamwe nevatanhatu kana kuti 1,496.

Vanhu makumi mana nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vanhu vabatwa nechirwere ichi vave zviuru makumi matatu nematanhatu zvine mazana mana nemakumi maviri nevatatu kana kuti 36,424.

Vanhu makumi maviri nevana kana kuti 24 vakapora kubva kuchirwere ichi zvichireva kuti vapora kubva zvatanga chirwere ichi kupararira vave zviuru makumi matatu nematatu zvine mazana mapfumbamwe nemakumi mapfumbamwe nevatanhatu kana kuti 33, 996.

Vanhu vachiri kurwara mazana mapfumbamwe nemakumi matatu nemumwe kana kuti 931.

Zvichakadaro, huwandu hwevashandi vemuzvipatara nevamwe vanoita mabasa anopa kuti vasangane neveruzhinji vabayiwa nhomba yeSinopharm yakapihwa Zimbabwe neChina vasvika zviuru makumi matatatu nezvitanhatu zvine mazana maviri nemakumi masere nevatatu kana kuti 36, 283.

Kunyangwe hazvo huwandu hwevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere ichi huri kuramba huchidzikira munyika nepasi rose, nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Edgar Munatsi vanoti vanhu havafanire kurivara.

African Union

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni mana kana kuti 4 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica. Vanhu vafa vadarika zana nemanomwe rezvuiru kana kuti 107, 000.

Vapora muAfrica vadarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana mashanu kana kuti 3, 5 million. Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika zana remamiriyoni rine gumi nemapfumbamwe kana kuti 119 million.

Pasi Rose

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vanodarika zviuru mazana mashanu nemakumi matatu nevaviri kana kuti kuti 532, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni makumi maviri nemapfumbamwe kana kuti 29 million.

Pasi rose, vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu kana kuti 2,6 million. Asi vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni makumi matanhatu nemanomwe zvine zviuru mazana mashanu kana kuti 67,5 million.

Hurukuro naVaEdgar Munatsi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG