Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vobatana neVamwe Vatungamiri vemuAfrica Kuchema VaMagufuli


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weMuvhuro vakabatana nevatungamiri vedzimwe nyika dzemuAfrica muTanzania kuchema mutungamiri wenyika iyi VaJohn Pombe Magufuli.

Vamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica vari kurufu urwu vanosanganisira VaUhuru Kenyatta vekuKenya, VaCyril Ramaphosa-South Africa, VaFélix Tshisekedi -Dr Congo mutungamiri weMozambique, VaFilipe Nyusi, VaLazarus Chakwera -Malawi’s, VaEdgar Chagwa Lungu Zambian uye mutungamiri wehurumende yerwanda VaEdouard Ngirente.

Vatungamiri ava vange vari muJamhuri Stadium mudunhu reDodoma maungana zviuru nezviuru zvevanhu.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaMnangagwa vati VaMagufuli vaive mutungamiri aida nyika yake vevatema muAfrica uye aishanda kusimudzira vanhu vemunyika yake munayaya dzezvehupfumi.

Vati Zimbabwe yarasikirwa nasahwira mukuru. Vanhu vakawanda muTanzania vari kuchema VaMagufuli zvikuru nekurwisa kwavakaita huori uye kusimudzira hupfumi hwenyika yavo kunyangwe vamwe vachiti vainge vachimbunyikidza kodzero dzevanopikisa.

Gweta vari chizvarwa cheZimbabwe chinogara muTanzania VaVictor Chigumbu vanoti vanhu vakawanda vari kuchema VaMagufuli nekuti vakaunza budiriro munyika yavo pamwe nekurwisa huori.

Hurukuro naVictor Chigumbu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG