Accessibility links

Breaking News

Vaimbova Meya weHarare VaHerbert Gomba Voramba Vari Muhusungwa.


VaHerbert Gomba

Vaimbova meya weHarare VaHerbert Gombo veMDC Alliance nemusi weMugovera vakamiswa pamberi pedare nenyaya yemhosva yavari kupomerwa yekupa vanhu nzvimbo dzekuvakira dzimba zvisiri pamutemo.

Mutongi wedare VaStanford Mambanje vati VaGomba vadzoke kudare nemusi weMuvhuro.

VaGomba vakasungwa nemusi weChishanu nematikitivha eZimbabwe Anti Corruption Commission vachinzi vakatengesa nzvimbo dzemabhizimisi kune vaida kuvaka dzimba panzvimbo dziri pedyo neOld Hararians Sports Club neMilton Park.

Vamwe vakasungwawo nenyaya yekutengesera vanhu pekuvakira dzimba zvisiri pamutemo vanosanganisira Amai Petronella Kagonye vaimbova gurukota rezvevashandi.

VaGomba vanonzi vakatyora mutemo weUrban Council Act uye vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare neMuvhuro.

Mukuru weHarare Residents Trust VaPrecious Shumba vanoti VaGomba nevamwe vanofanira kumiswa pamberi pedare kana vaine mhosva vosungwa kana vasina voregererwa.

Asi vati nyaya yekuvakira dzimba pasina kufanira yakonzera kusamira zvakanaka kwezvinhu mumadhorobha akawanda munyika.

Hurukuro naVaPrecious Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG