Accessibility links

Breaking News

UNICEF Yotsvaga Mari Yekubatsira Vana vemuZimbabwe


Sangano reUNICEF muZimbabwe rinoti riri kutsvaga mari inosvika mamiriyoni makumi masere nemana kana kuti US$84 million kubatsira vana vemuZimbabwe avo vatarisana nenzara iri kukonzerwa nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika.

Matambudziko atarisana nenyika anosanganisira akakonzerwa nemafashamu edutumupengo remhepo nemafashamu emvura kana kuti Cyclone Idai, zvirwere zvemanyoka uye kusamira zvakanaka kwehupfumi zvawedzerwa nechirwere cheCovid-19.

Kusvika muna Zvita gore rapera, Unicef yainge yaunganidza mari inosvika mamiriyoni gumi nemanomwe nezviuru mazana manomwe kana kuti 17, 7 million inova zvikamu gumi nezvinomwe kana kuti 17% yemari yairi kupiwa asi pamari iyi pange pasina yerubatsiro rwakanangana nechirwere cheCovid-19.

Mari iyi yakabva kumasangano nenyika dzakaita seCERF, China, ECHO, Japan, USA BPRM, US Fund for UNICEF, USA (OFDA) ne UNICEF Global Thematic, German, KfW, DFID, SIDA, hurumende yeIreland, EU nesangano reGAVI.

UNICEF yaida kubatsira vana vanosvika mamiriyoni matatu nezviuru mazana mana kana kuti 3,4 million nechikafu uye vamwe miriyoni imwe chete nezviuru mazana maviri kana kuti 3,2 vanoda rubatsiro munyaya yedzidzo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG