Sachigaro wesangano rinoona nezvesarudzo rakazvimirira reZimbabwe Election Support Network, VaAndrew Makoni, vanoti zvakakosha zvikuru kuti Zimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC ,inyatsoita nemazvo hurongwa hwekuganhura matunhu kuitira kuti sarudzo dza2023 dzisazoite mutauro.