Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votenda Kuti Zimbabwe ichiri Kuyedza Kuda Kupinda Mumushandirapamwe weZambuko reKazungula


Mutungamiri wezambia VaEdgar Lungu
Mutungamiri wezambia VaEdgar Lungu

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vazobuda pachena kuti Zimbabwe haisati yave muhurongwa hwekuvakwa kwezambuko reKazungula iro ravhurwa zviri pamutemo nemutungamiri wenyika yeDRC VaFelix Tshisekedi vanova sachigaro weAfrican Union.

Pakuvhurwa zviri pamutemo kwezambuko iri VaMnangagwa vakati chido cheZimbabwe kuti ivewo muhurongwa uhu vachiti, "Chivakwa ichi chakakosha zvikuru mudunhu reSADC. "

Vaenderera mberi vachiti, " Ndinoda kupa kutenda hama dzangu vatungamiri venyika yeBotswana VaMasisi uye mutungamiri weZambia VaLungu avo vakatikoka muna 2018 kuti tive mumushandirapamwe uyu, ichokwadi nekufamba kwenguva tinenge tavewo muchirongwa ichi. Ndino simbaradza chido changu chekuti Zimbabwe inge iri pachirongwa ichi sezvo chichibatsira dunhu reSADC."

VaMnangagwa vange vapedza makore akawanda kusanganisira svondo rapera vachiti Zimbabwe yainge yatova muhurongwa hwezambuko reKazungula uhu.

Zambuko iri rakavakwa pamusoro perwizi Zambezi neZambia neBotswana mushure mekunge Zimbabwe yaramba zvakapa kuti rizovakwa richienda nekuNamibia.

Zambuko iri rakatanga kuvakwa muna 2014 uye mari yekurivaka yakabva ku Japan International Corporation Agency (JICA), African Development Bank neEuropean Union uye hurumende dzeZambia neBotswana. Kuti Zimbabwe ipndewo muhurongwa uhu inoda kuti iwane chikwereti asi nekutadza kubhadhara zvimwe zvikwereti zviri kunetsa kuti iwane mari iyi.

Mari yekuvaka zambuko iri yakadarika mamiriyoni mazana maviri nemakumi matanhatu kana kuti US$260 million.

Mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party Dr Wurayayi Zembe vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe icharasikirwawo nemari yakawanda sezvo marori anenge achibva kuDurban nekuenda kuDRC anenge oenda nekuKazungula kwete kuBeitbridge.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG