Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inokurudzirwa Kuendesa Muzvare Joanna Mamombe kuChipatara


Muzvare Joanna Mamombe

Sangano reWomen's Academy for Leadership and Political Excellence, kana kuti WALPE, uye rimwe rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose, reInternational Commission of Jurists (ICJ), ari kukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iendese kuchipatara mumiriri weHarare West mudare reparamende, Muzvare Joana Mamombe, vebato reMDC Alliance, avo vasiri kunzwa zvakanaka kujeri reChikurubi kwavari.

Muzvare Mamombe vari kupomerwa mhosva yekutyora mitemo yeCovid-19.

Kunyangwe vange vamboendeswa kuchipatara cheParktown nemusi weChina, Muzvare Mamombe vakamanikidzwa kubuditswa muchipatara ichi nevanofungidzirwa kuti vasori kunyangwe vanachiremba vaiti vaifanira kugara muchipatara vachivhenekwa.

Sangano reICJ rinoti zvave pachena kuti mutemo wave kushandiswa sechombo chekutsikirira vanopikisa muZimbabwe.

Sangano iri rinoti mukusaburitsa Muzvare Mamombe mujeri, hurumende iri kutyora bumbiro remutemo, pachikamu chechimakumi mashanu, kana kuti Article 50(d), chinoti musungwa ane kodzero yekurapwa. Rinotiwo Zimbabwe iri kutyora zvibvumirano neUnited Nations pakubata vasungwa.

Tatumira mibvunzo kugurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, nezvemashoko aya asi vange vasati vapindura pataenda pamhepo.

Tatumirawo mimwe mibvunzo yedu kumutauriri weZimbabwe Prisons and Correctional Services (ZPCS), Superintendent Meya Khanyezi, asi vange vasatiwo vapindura.

Mukuru wesangano reWALPE, Muzvare Stabile Dewa, vanoti havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa Muzvare Mamombe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG