Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yotyira Kuti Vashandi Vachagumurwa kuCBZ Vachanonga Svosve neMuromo


Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions kana kuti ZCTU rinoti kusamira zvakanaka kwemitemo yevashandi kwave kupa kuti vashandi vakaita sevave kudzingwa mabasa kuCBZ vamanikidzwe kuenda pamudyandigere vasina chavainacho.

CBZ inoti iri kumisa vanhu mabasa nekuda kwechirwere cheCovid-19 uye yave kushandisa michina yakawanda.

Mutsamba kuvashandi, mukuru webhanga reCBZ, VaBlessing Mudavanhu, vakati kutanga nezuro kusvika musi wa 18 Chibabvu vashandi vaizozvipira kuenda pamudyandigere asi vakakundikana vaizotanga kumanikidzwa kusiya basa muna Chikumi.

Vanoti izvi zviri kuitwa nekuda kwekuoma kwezvinhu zvakonzerwa nechirwere cheCovid-19 uye kushandiswawo kwemichina yechizvino zvino.

Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mumabhanga uye vashandi vari panyanga dzamushore sezvo vachipihwa mari shoma mushure mekumanikidzwa kusiya basa. Vanoti mutemo unofanira kuvandudzwa kuti vashandi vawane chouviri.

Mutevedzeri wemunyori mukuru musangano reZimbabwe Banks and Allied Workers’ Union, VaShepard Ngandu, vatiwo havakwanise kumirira vashandi kana vazvipira voga kusiya basa asi kana vatanga kumanikidzwa vanopindira.

Hatina kukwanisa kubata mutungamiri wesangano revemabhanga reBankers’ Association of Zimbabwe, VaRalph Watungwa, sezvo nhare yavo yange isiri kudairwa.

Asi vakatomboyambira kuvatori venhau kuti nekuda kwemichina vashandi vacharasikirwa nemabasa.

Gukota rezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, vaudza Studio7 kuti vachaita musangano nevebazi ravo kuti vazeye zviri kutaurwa nevashandi panyaya yemudyandigere.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vati panoda mubatira pamwe chuma chemuzukuru vachiti hurumende munguva ino yeCovid-19 inofanira kugara pasi nevashandi nevashandirwi yoona kuti nyika ingabude sei mukanwa mamupere.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi, VaMasimba Kuchera, vati kumiswa kwebasa kwevashandi hakusi kuvashandisa nekuti hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka zviri kukonzerwa nekusagadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika.

Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga, uye vari nhengo yeZanu PF, VaGilbert Muponda, vati zvakakosha kuti vashandi vazvisimudzire panyaya yedzidzo yehumhizha nehumhetura sezvo michina yechizvino zvino yave kushandiswa nemabhanga inoda vashandi vashoma.

Asi vakuru vanoti havo panomera muswe panonyerekedza nekuti bhanga iri range ravhara mamwe mapazi muHarare anoti Samora Machel, Cripps Road, Highfield, Msasa, Sapphire House uye Belmont kuBulawayo. Mamwe akavharwa anosanganisira, Gutu, Checheche, Gwanda, Nembudziya, Chegutu ne Nyanga.

Bhanga iri range richikurudzira vanhu kuti vashandise nharembozha nemasaisai eInternet pazvirongwa zvaro zvinoti CBZ G-Touch, Internet Banking uye kushandisa makadhi.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG