Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoyedza Kukwezva veMabhizimisi Vari Kunze kweNyika


Doctor Sekesai Nzenza, gurukota rezvemaindastiri
Doctor Sekesai Nzenza, gurukota rezvemaindastiri

Gurukota rinoona nezvemaindasitiri nekutengeserana Doctor Sekai Nzenza vanoti Zimbabwe yasimbaradza hurongwa hwayo hwekukwezva vekunze vanoda kuuya kuzotanga mabhizmisi munyika uye svondo rino kune vakabva kuAmerica neIndia.

Asi dzimwe nyanzvi munayaya dzezvehupfumi dzinoti zveZimbabwe kutenda maruva wadya chakata.

Gwaro reUnited Nations Conference on Trade and Development kana kuti UNACTAD ra2020 rinoti Zimbabwe yave kukwezva vemabhizimisi vekunze vane mari kana kuti Foreign Direct Investment, FDI zviri nani kubva zvinhu pazvange zvaenda kumawere muna 2008 asi pachine basa kuti ikwezve vekunze vakawanda.

Gwaro re2020 World Investment Report rinonyorwa neUNACTAD rinoti Zimbabwe iri pachidanho chezana nemakumi mana panyika zana nemakumi mapfumbamwe.

Nyika inonzi yaimbowana mari yekunze inosvika mazana manomwe nemakumi mana nemashanu emamiriyoni emadhora, kana US$745 million yeFDI as gore rapera nekuda kwemitemo yemabhizimisi isina kunaka nechirwere cheCovid-19 IMF inoti Zimbabwe yakawana mari kubva kumabhizimisi ekunze inosvika mamiriyoni makumi mana chete kana kuti US$40 million.

Nyika dzekunze dzinodyidzana neZimbabwe kunyanya iChina, India neRussia.

Asi Doctor Nzenza vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti pane mikana yakawanda iri munyika yekuti vemabhizimisi vekunze vanokwanisa kutora.

Hurukuro naDoctor Sekai Nzenza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mukuru werimwe sangano revakuru vemabhizimisi re CEO Africa Round Table, VaOswell Binha, vanoti kusamira kwezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika nezvimwe kuri kupa kuti Zimbabwe iite seyakageza negoka munyama.

Hurukuro naDoctor Sekai Nzenza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG