Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeMDC Alliance Yakadirwa Muchetura Kumeso Yotaura Zvakaitika Iri Mumaoko eMapurisa


VaLengwani Mavhunga (Mufananidzo kubva kuZimbabwe Lawyers for Human Rights)
VaLengwani Mavhunga (Mufananidzo kubva kuZimbabwe Lawyers for Human Rights)

Nhengo yeMDC Alliance, VaLengwani Mavhunga, avo vakadirwa muchetura kumeso unofungidzirwa kuti isulphuric acid nevanofungidzirwa kuti vasori vari mumaoko emapurisa paHarare Central Police Station mwedzi wapera vanoti vachiri vakamirira kunzwa kubva kunana chiremba kuti imhando ipi yemuchetura yakashandiswa pavari.

Gweta ravo, VaWebster Jiti, vakaudzawo dare kuti vakarohwa zvakaipisisa nekumwayiwa muchetura usiri kuzivikanwa.

VaMavhunga vanoti vakasungwa mushure mekunge vaenda kudare remejastiriti muHarare kunotsigira mutevedzeri wasachigaro webato ravo VaJob Sikhala vaitongwa nedare iri.

Asi mapurisa anoti VaMavhunga nevamwe vavo vakaita saVaMunyaradzi Mafararikwa vakasungwa panokwirirwa mabhazi paCopacabana muHarare vachipomerwa mhosva yekukanganisa motokari nevanhu kufamba zvakanaka sezvo vaiisa marara mumugwagwa.

VaLengwani Mavhunga naVaMunyaradzi Mafararikwa
VaLengwani Mavhunga naVaMunyaradzi Mafararikwa

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevasori, VaOwen Mudha Ncube, sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi gurukota rinoona nezvekuchengetedzwa kwemukati menyika, VaKazembe Kazembe, vaudza Studio7 kuti kana zviri kutaurwa zvakaitika, VaMavhunga vanofanira kumhan’ara kumapurisa nehumbowo hwavo vakavimbisa kuti nyaya yacho inoongororwa.

Asi vati pane vamwe vanomboti vakashungurudzwa asi vasina humbowo hunobatika.

Hurukuro naVaLengwani Mavhunga
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG