Nyanzvi munyaya dzezvekudzivirwa kwenyika uye dzematongerwo enyika dziri kukurudzira hurumende kuti ikoshese kupa bazi rezvekudzivirirwa kwenyika mari yakakwana yekutenga zvekushandisa sezvo zvinhu kudivi rekudzivirira nyika nemuchadenga kana kuti Air Force risisina kumira zvakanaka.
Bazi rezvehutano rinoti nemusi weSvondo munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 kuMatabeleland South zvichireva kuti vanhu vafa vachiri chiuru chimwe chete nemazana mashanu nemakumi manomwe kana kuti 1,557.
Mumiriri weHarare West mudare reparamende, Muzvare Joana Mamombe, avo vari mujeri reChikurubui mushure mekunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kaviri nematare, vanonzi havasi kunzwa zvakanaka.
Bazi rezvehutano rinoti nemusi weChipiri munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 kuMatabeleland South
Vamwe vemabhizimisi vanoti mitero yavanozobhadhara iri kupa kuti vadhurise zvinhu kunyange hazvo vari kuwana mari yekunze nemutengo wakati dererei pamusika wemari kana kuti Foreign Currency Auction zvichienzaniswa nepamusika wemukoto.
Nezuro vemakombi vasina zvitambi zvekushanda vanonzi vaiita hwakiti nagonzo nemapurisa panokwirirwa michovha muna 4th Street muHarare.
Hurumende yeAmerica yakatumira mashoko ekukorokotedza mhuri yeZimbabwe kwete kuvatungamiri wenyika Vaemmerson Mnangangwa pazuva rekupemberera kuwana kuzvitonga kuzere.
Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weMugovera kuti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 kuManicaland zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kuparaira gore rapera vave chiuru chimwe chete nemazana mashanu nevaviri kana kuti 1, 552.
Vana ava vanonzi vakapondwa vakakandwa muchimbuzi inova nyaya inonzi yakatyamadza nekushungurudza vagari vemunzvimbo iyi.
Vebato reMDC Alliance neZanu-PF vave kuudzana meno amire panyaya yekudzoswa kwoitwa nehurumende chirongwa cheNational Youth Service pamberi pesarudzo dza2023.
Vanhu vakawanda mumaguta nemadhorobha madiki vari kuchema chema kuti zvinhu zvave kuramba zvichienda kumawere nekuda kwekushaya zvekufambisa zvomanikidza vashandi nevana vechikoro kuti vamanikidzirane mumotokari shoma dziripo.
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vari kupomera mhosva vamwe vanopikisa yekusungisa imwe nhengo yebato ravo VaSox Chikowero nemapurisa.
Dare repamusoro reHigh Court rapa mutongo wekuti kudzingwa mudare reparamende kwakaitwa nhengo dzePeople’s Democratic Party, PDP, dzakakwikwidza dziri pasi pemubatanidzwa weMDC Alliance hakusi pamutemo.
Hurumende ichiri kutsvaga nzira dzekukwezva vekunze vanoda kuuchika mari dzavo munyika kuburikidza nemusika weVictoria Falls Stock Exchange (VFEX) asi makambani akawanda anoti haana chivimbo chekuti vanozowana mari yavo yekunze kana vave kuida.
Mutungamiri webato rinopikisa reMavambo Kusile Dawn uye vaimbova munyori mukuru weSADC Doctor Simba Makoni vanoti zvakakosha kuti nyika dzemuSADC dzipindire muhondo iri muMozambique iyo yaurayawo chimwe chizvarwa cheZimbabwe VaNyasha Mugwagwa.
Huwandu hwevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwatanga kukwira zvekare mushure mekumbodzika kwemavhiki apera.
Zimbabwe Revenue Authority kana kuti ZIMRA yakanyora tsamba kune mumwe muzvinabhizmisi ichiti inoda mutero wemari inosvika zviuru mazana mana nemakumi matatu nemaviri ekuAmerica kana kuti US$432 000 usina kubhadharwa kubva muna 2017.
Bato reZanu-PF riri kuramba mashoko ariri kupomerwa nesangano rinorwira kodzero dzevanhu reAmnesty International ekuti dzimwe nhengo dzaro dzakaponda vanopikisa munguva yelockdown senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovi-19.
Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reAmnesty International neChitatu raraburitsa gwaro nhasi riri kupomera hurumende yeZimbabwe mhosva yekuponda vanhu gumi munguva ino apo pasi rose riri kurwisa denda reCovid-19.
Mukuru wesangano riri kudzidzisa veruzhinji nezvechirwere cheCovid-19 rePerch Media, VaCollen Magobeya, vanoti vapedza kubayiwa nhomba dzavo mbiri vachiti semunhu anoshanda neveruzhinji zvinovabatsira kuti vasatapurirwa kana kutapurira vamwe chirwere.
Rodhai zvimwe